1 Corinthians 15

Kumuka kwevakafa

1Naizvozvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi; 2uye yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa inzwi reevhangeri randakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina. 3Nokuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro; 4uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa nezuva retatu, zvichienderana nemagwaro; 5uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri; 6shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu nguva imwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira ikozvino, asi vamwewo varara; 7shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; pashure kuvaapositori vese. 8Uye pakupedzisira kwevese akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira. 9Nokuti ini ndiri mudikisa wevaapositori, handifaniri kunzi muapositori, nokuti ndakashusha kereke yaMwari. 10Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri pandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vese; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzineni. 11Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda. 12Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kubva kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa? 13Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa; 14uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo. 15Nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura zvaMwari kuti wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana kuri kuti vakafa havamutswi. 16Nokuti dai vakafa vasingamutswi, Kristu haanawo kumutswa; 17uye dai Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu haruna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. 18Naizvozvo nevarere muna Kristu vaparara. 19Dai muupenyu huno tine tariro muna Kristu chete, tinonzwisa tsitsi kukunda vanhu vese. 20Asi ikozvinowo Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere. 21Nokuti sezvo nemunhu rufu rwakauya, kumuka kwevakafawo kwakauya nemunhu. 22Nokuti vese muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvowo vese muna Kristu vachararamiswa. 23Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake, 24kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba, paachaparadza kutonga kwese neushe hwese nesimba. 25Nokuti anofanira iye kutonga, kusvikira aisa vese vavengi pasi petsoka dzake. 26Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu. 27Nokuti wakaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti ari kunze wakaisa zvinhu zvese pasi pake. 28Zvino kana zvinhu zvese zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomanawo amene achaiswa pasi paiye wakaisa zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvese mune zvese. 29Ko, vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? Vakagobhabhatidzirwa vakafa nemhaka yei? 30Nemhaka yei nesu tiri panjodzi awa rega-rega? 31Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu. 32Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei, kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekunwa, nokuti mangwana tinofa. 33Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka. 34Pengenukai nenzira yekururama uye musatadza, nokuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti muve nenyadzi. 35Asi umwe achati: Vakafa vanomutswa sei? Uye vanouya nemuviri wakaita sei? 36Dununu, icho chaunodzvara iwe hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa; 37uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yezviyo kana yezvimwe; 38asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo. 39Nyama yese haisi nyama imwe; asi imwe inyama yevanhu, imwewo inyama yemhuka, imwewo yehove, imwewo yeshiri. 40Kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwe. 41Kumwe kubwinya ndekwezuva, nekumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nokuti nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya. 42Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora; 43kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba. 44Kunodzvarwa kuri muviri wechisikirwo, kunomutswa kuri muviri wemweya. Kune muviri wechisikirwo, uye kune muviri wemweya. 45Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya unoraramisa. 46Asi zvinotanga hazvisi zvemweya asi zvechisikirwo; tevere zvemweya. 47Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe anobva kudenga. 48Sewevhu, vakadarowo avo vevhu; uye sewekudenga, vakadarowo vekudenga. 49Uye sezvatakatakura chimiro chewevhu, tichatakurawo chimiro chewekudenga. 50Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora. 51Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tese, asi tichashandurwa tese; 52nenguva diki-diki, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nokuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora, nesu tichashandurwa. 53Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora, neichi chinofa chipfeke kusafa. 54Zvino kana ichi chinoora chapfeka kusaora, neichi chinofa chapfeka kusafa, ipapo kuchaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda. 55Iwe rufu, rumborera rwako rwuripi? Iwe guva, kukunda kwako kuripi? 56Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo. 57Zvino ngaavongwe Mwari anotipa kukunda naIshe wedu Jesu Kristu. 58Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, simbai, musingazungunuswi, nguva dzese muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.

Copyright information for Shona